Isaya 46:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?

6. Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate.

7. Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

8. “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.

Isaya 46