Isaya 45:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.

17. Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi.

18. Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, iye anoti, “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.

19. Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama.

20. “Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.

21. Paridzai zvichauya, muzvibudise: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini.

22. “Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.

23. Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.

Isaya 45