16. Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.
17. Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi.
18. Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, iye anoti, “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.
19. Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama.
20. “Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.
21. Paridzai zvichauya, muzvibudise: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini.
22. “Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.
23. Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.