Isaya 34:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde.

5. Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose.

6. Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu.

7. Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta.

8. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.

9. Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesuriferi; nyika yayo ichava namo inopfuta!

10. Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe; hapana munhu achazopfuura napozve.

Isaya 34