Isaya 32:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.

7. Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

8. Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.

9. Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva!

10. Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

11. Dederai, imi vakadzi munoti mugere zvakanaka; hutai, iyemi vanasikana vasina hanya! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.

12. Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

13. uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

14. Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

Isaya 32