2. Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.
3. Naizvozvo chiuno changu chakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.
4. Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.
5. Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zadzai nhoo!
6. Zvanzi naIshe kwandiri, “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.
7. Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”
8. Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro penharire; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.