Isaya 20:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa,

2. panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu.

3. Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia,

4. saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadzo kuIjipiti.

5. Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa.

Isaya 20