Isaya 2:6-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni.

7. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.

8. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

9. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.

10. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!

11. Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.

12. Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),

13. nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani,

14. namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira,

15. neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba,

16. nezvikepe zvose zveTashishi, nemidziyo yose yakanaka.

17. Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa; Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro,

18. uye zvifananidzo zvichapera zvachose.

19. Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.

20. Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.

21. Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.

Isaya 2