Isaya 10:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,

2. kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera.

3. Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?

4. Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

5. “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!

6. Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.

7. Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji.

8. Iye anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?

9. Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?

10. Ruoko rwangu sezvarwasvikira umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,

11. ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ”

12. Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.

13. Nokuti iye anoti,“Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.

14. Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.”

15. Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!

Isaya 10