Hosea 14:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.”

4. “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

5. Ndichava sedova kuna Israeri, achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;

6. mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.

7. Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achararama sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.

8. Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.”

9. Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.

Hosea 14