Hosea 11:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2. Asi pandakanyanya kuvadana, ivo vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuwira kuzvifananidzo.

3. Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa.

4. Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5. ā€œHavangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka?

Hosea 11