Habhakuki 1:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?

3. Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.

4. Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.

5. “Tarisa kumarudzi avanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.

Habhakuki 1