Genesisi 50:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Saka Josefa akakwira kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti,

8. tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni.

9. Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.

10. Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru uye neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake.

11. VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko pabhuriro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimu.

12. Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira:

13. Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho.

14. Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake.

15. Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?”

16. Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti:

17. ‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’ ” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema.

Genesisi 50