1. Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake uye akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda.
2. Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,
3. vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.
4. Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti,
5. ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwire ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ”
6. Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”