Genesisi 46:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo akanga ari Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.

18. Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.

19. Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.

20. MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni.

21. Vanakomana vaBhenjamini vaiva Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.

Genesisi 46