11. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
12. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
13. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
14. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
15. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
16. Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.