15. Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
16. Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
17. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
18. Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
19. Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
20. Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
21. Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
22. Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
23. Asi akati ava madekwana, iye akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, uye Jakobho akavata naye.
24. Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
25. Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, handizvo here? Seiko mandinyengera?”
26. Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
27. Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”