Genesisi 24:56-67 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

56. Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”

57. Ipapo vakati kwandiri, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”

58. Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?”Iye akati, “Ndichaenda.”

59. Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake.

60. Uye vakaropafadza Rabheka vakati,“Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.”

61. Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira uye vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda.

62. Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi.

63. Akabuda nohumwe usiku akaenda musango kuti ambondorangarira, uye paakasimudza meso ake, akaona ngamera dzichiswedera,

64. naRabhekawo akasimudza meso ake akaona Isaka. Akaburuka kubva pangamera yake

65. uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?” Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza.

66. Ipapo muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.

67. Isaka akamupinza mutende ramai vake Sara, uye akawana Rabheka. Saka akava mukadzi wake, uye akamuda; naizvozvo Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.

Genesisi 24