Genesisi 24:43-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Tarirai, ndimire parutivi petsime iri; kana musikana akabuda kuzochera mvura uye ndikati kwaari, “Ndapota rega ndinwe mvura shoma shoma kubva muchirongo chako,”

44. uye kana iye akati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu,” ngaave iye asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.’

45. “Ndisati ndapedza kunyengetera mumwoyo mangu, Rabheka auya, ane chirongo chake papfudzi rake. Aenda kutsime uye akachera mvura, uye ini ndikati kwaari, ‘Ndapota ndipewo mvura ndinwe.’

46. “Akurumidza kutura chirongo chake papfudzi rake uye akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa ngamera dzenyuwo. Saka ndanwa mvura, uye anwisawo ngamera.

47. “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’“Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’“Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake,

48. uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womunun'una watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake.

49. Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.”

50. Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka.

51. Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.”

52. Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha.

53. Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka uye akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.

54. Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya uye vakanwa, uye vakanwa usiku uho.Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.”

55. Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”

56. Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”

57. Ipapo vakati kwandiri, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”

58. Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?”Iye akati, “Ndichaenda.”

Genesisi 24