Genesisi 22:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure.

5. Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata uye ipapo tichadzoka hedu kwamuri.”

6. Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri,

7. Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”

8. Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”

9. Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni.

10. Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.

11. Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.”

12. Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”

13. Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondohwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo uye akatora gondohwe akaribayira sechipiriso chinopiswa.

14. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”

15. Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri

16. akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga,

Genesisi 22