6. Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvidira.
7. Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake.
8. Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha.
9. Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru;
10. pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru.
11. Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana. Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema.