Ezekieri 7:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika.

3. Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.

4. Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.

5. “Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya!

6. Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya! Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika.

7. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo.

8. Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.

9. Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova.

10. “Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka!

11. Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha.

Ezekieri 7