10. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
11. Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyisa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
12. Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.
13. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichaparadza zvifananidzo nokugumisa mifananidzo yeMemufisi, muIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.
14. Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.
15. Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.
16. Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.
17. Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa.
18. Rima ndiro richava masikati paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichaenda muutapwa.
19. Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
20. Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
21. “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.
22. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.
23. Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.
24. Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.
25. Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.