8. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
9. “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha, “Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa,
10. wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “ ‘Tichagofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
11. “ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa nokupukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
12. Chema uye uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva.
13. “ ‘Kuedzwa kuri kuuya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’