Ekisodho 10:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende.

21. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima ringabatika.”

22. Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, uye rima guru rakafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu.

23. Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.

Ekisodho 10