Dhuteronomi 32:11-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.

12. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

13. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,

14. noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondohwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.

15. Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.

16. Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.

17. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

18. Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.

19. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.

20. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.

21. Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.

22. Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.

23. “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.

24. Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.

25. Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhu-ndutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.

26. Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,

27. asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”

Dhuteronomi 32