Dhuteronomi 22:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kana uchinge wavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga remba yako kuitira kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro pemba yako kana mumwe munhu azowa kubva padenga rayo.

9. Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare.

10. Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pajoko rimwe chete.

11. Usapfeka nguo dzamakushe nomucheka zvakarukwa pamwe chete.

12. Unofanira kuzviitira pfunha pamakona mana enguo yaunopfeka.

13. Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira,

14. uye akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, “Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara,”

Dhuteronomi 22