5. Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nenyere nomutopota norudimbwa nembira, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
6. Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandirwa muvira romoto pakarepo.”
7. Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.”
8. Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha.
9. Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!
10. Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe,
11. uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto.
12. Asi pana vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
13. Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo,
14. Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vana Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa?
15. Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifanaidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”
16. Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu nenyaya iyi.
17. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.
18. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
19. Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, naMeshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
20. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo.
21. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nengowani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto unopfuta kwazvo.
22. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, naMeshaki naAbhedhinego,