3. Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaita Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu.
4. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.
5. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku “vapostori vanopfuura vamwe vose.”
6. Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndino ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.
7. Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo?