2 Samueri 15:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Mambo akaenda, imba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo.

17. Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, uye vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe.

18. Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.

19. Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako.

20. Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, uye tora hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”

21. Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”

22. Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.

23. Nyika yose yakachema kwazvo apo vanhu vose vakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje.

2 Samueri 15