2 Samueri 13:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun'una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?”

27. Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.

28. Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.”

29. Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.

30. Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.”

2 Samueri 13