2 Makoronike 6:25-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo.

26. “Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa,

27. ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka.

28. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunji, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya,

29. uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino,

30. ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu),

31. kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu.

32. “Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,

33. ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.

34. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu,

35. ipapo inzwai ikoko kudenga munamato wavo nechikumbiro chavo, mutsigire mhaka yavo.

36. “Kana vakakutadzirai, nokuti hapana munhu asingatadzi, uye kana mukavatsamwira mukavapa kumuvengi, anovatapa achivaendesa kunyika iri kure kana pedyo;

2 Makoronike 6