2 Makoronike 25:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Saka Amazia akaregera varwi vose vakanga vabva kuEfuremu vachienda uye akavati vaende zvavo kumba. Vakatsamwa zvikuru nokuda kweJudha vakaenda kumba vachipopota zvikuru.

11. Ipapo Amazia akatungamirira hondo yake kuMupata weMunyu, kwaakandouraya varume veSeiri zviuru gumi.

12. Hondo yeJudha yakabatazve varume zviuru gumi vakavatora vakaenda navo pamusoro pegomo pamawere vakavakanda pasi pakavhunika-vhunika.

13. Panguva imwe cheteyo varwi vakanga vadzoserwa naAmazia pakurwa uku vakandopamba maguta eJudhea kubva kuSamaria kusvika kuBheti Horoni. Vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakapamba.

14. Amazia paakadzoka kundouraya vaEdhomu, akadzoka vamwari vavanhu veSeiri akavamisa, akavakotamira savamwari vake, akavapisira zvibayiro.

15. Kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro paAmazia, akatuma muprofita kwaari, akati, “Seiko uchibvunzira kuzvimwari zvavanhu ava zvakatadza kuponesa vanhu vazvo kubva mumaoko ako?”

2 Makoronike 25