2 Makoronike 10:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaenda ikoko kundomuita mambo.

2. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti.

3. Saka vakandodana Rehobhoamu, uye iye neIsraeri yose vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari,

4. “Baba vako vakatitakudza joko rinorema kwazvo, asi zvino chitapudzai kushanda kwakaomarara nejoko rinorema ravakaisa patiri, uye isu tichakushandirai.”

5. Rehobhoamu akapindura akati, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda havo.

6. Ipapo Mambo Rehobhoamu akandobvunza vakuru vaisishandira baba vake Soromoni panguva yavakanga vari vapenyu. Akavabvunza achiti, “Ko, izano ripi ramungandipa kuti ndipindure vanhu ava?”

2 Makoronike 10