2 Madzimambo 19:10-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’

11. Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here?

12. Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTera Asari, vakavarwira here?

13. Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefavhaimi, weHena kana neIvha?”

14. Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.

15. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi.

16. Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu.

17. “Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo.

18. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu.

19. Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.”

20. Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria.

21. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokushora uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro uchitiza.

22. Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura? Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri!

23. Nenhume dzako wakaunganidza zvituko kuna Jehovha. Uye wakati, “Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, nzvimbo refu refu dzeRebhanoni. Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba, nemipaini yayo yakaisvonaka. Ndakasvika kumasango ayo kure kure, masango ayo akanakisisa.

2 Madzimambo 19