1 Vakorinde 7:16-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?

17. Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose.

18. Ko, munhu akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, munhu akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa.

19. Kudzingiswa hakuzi chinhu uye kusadzingiswa hakuzi chinhu. Asi kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kunokosha.

20. Mumwe nomumwe ngaagare ari zvaakanga ari paakadanwa naMwari.

21. Wakanga uri muranda here pawakadanwa? Ngazvirege kukudya mwoyo; kunyange zvakadaro, kana uchigona kuva wakasununguka, ita saizvozvo.

22. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.

23. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu.

24. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari.

25. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka.

26. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro.

27. Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi.

28. Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo.

29. Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina;

30. vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo;

31. navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura.

1 Vakorinde 7