1 Vakorinde 16:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite.

2. Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo.

3. Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema.

4. Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni.

5. Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia.

6. Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda.

7. Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera.

8. Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti,

9. nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.

10. Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo.

11. Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama.

12. Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.

13. Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

14. Itai zvinhu zvose murudo.

1 Vakorinde 16