1 Vakorinde 12:16-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

17. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?

18. Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

19. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?

20. Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.

21. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”

22. Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,

23. uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,

24. asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,

1 Vakorinde 12