1 Samueri 18:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro.

13. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo.

14. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye.

15. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya.

1 Samueri 18