1 Samueri 17:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka.

2. Sauro navaIsraeri vakaungana uye vakadzika musasa mumupata weEra vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia.

3. VaFiristia vakatora chimwe chikomo uye vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata.

4. Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatua.

5. Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanub;

1 Samueri 17