1 Madzimambo 6:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.

2. Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatua, ina makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo kumusoro.

3. Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi mavirid uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumie.

4. Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki.

5. Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi.

6. Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanuf, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatug uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomweh. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.

7. Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.

8. Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapakati, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu.

9. Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.

1 Madzimambo 6