9. Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga.
10. Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo.
11. Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka.
12. Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make.
13. Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana.
14. Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji.
15. Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namahesera, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo.
16. Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba.
17. Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, havanganayirwi nemvura.
18. Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, havanganayirwi nemvura. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.
19. Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye chirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.
20. Pazuva iroro pamabhera amabhiza pachanyorwa kuti, UTSVENE KUNA JEHOVHA, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari.