1. Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto uparadze misidhari yako!
2. Ungudza, iwe muti womupaini, nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa! Ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo resango ratemwa!
3. Inzwai kuungudza kwavafudzi; mafuro avo akapfuma aparadzwa! Inzwai kuomba kweshumba, sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa!
4. Zvanzi naJehovha Mwari wangu, āFudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa.