Zekaria 11:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto uparadze misidhari yako!

2. Ungudza, iwe muti womupaini, nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa! Ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo resango ratemwa!

3. Inzwai kuungudza kwavafudzi; mafuro avo akapfuma aparadzwa! Inzwai kuomba kweshumba, sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa!

4. Zvanzi naJehovha Mwari wangu, ā€œFudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa.

Zekaria 11