Zekaria 10:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ndichavauyisa kubva kuIjipiti uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria. Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni, uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana.

11. Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; mafungu egungwa achaderedzwa uye pakadzika pose muNairi pachapwa. Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.

12. Ndichavasimbisa muna Jehovha uye muzita rake vachafamba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Zekaria 10