Vatongi 6:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo.

10. Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.”

11. Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani.

Vatongi 6