Vatongi 6:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye iye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe.

2. Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare.

3. VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nenyika yavo.

4. Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro.

5. Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimhokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze.

6. VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire.

7. VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani,

8. Iye akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa.

9. Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo.

10. Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.”

Vatongi 6