Vatongi 20:36-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa. Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea.

37. Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo.

38. Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta,

39. uye ipapo varume veIsraeri vaizodzoka kundorwa.VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”

Vatongi 20