Vatongi 15:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha, womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa.

7. Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.”

8. Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami.

9. VaFiristia vakakwira vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi.

10. Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?” Ivo vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.”

Vatongi 15