Varoma 16:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.

4. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.

5. Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.

6. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.

7. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.

Varoma 16