Varoma 12:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

19. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

20. Asi:“Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya,kane ane nyota mupe chokunwa.Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”

21. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Varoma 12