Varoma 11:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,

8. sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Mwari akavapa mweya wehope,meso kuti vasaona,nzeve kuitira kuti vasanzwa,kusvikira nanhasi uno.”

9. Uye Dhavhidhi anoti:“Tafura yavo ngaive musungo neriva,nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.

10. Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”

11. Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo.

12. Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kuvaHedheni, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!

13. Ndiri kutaura kwamuri imi vaHedheni. Sezvandiri mupostori wavaHedheni, ndinokudza ushumiri hwangu

14. netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo.

Varoma 11